Back to Stories
Anonymous
Mental Health· 31 days ago· 451 reads

"Namata chete" — asi ndakange ndatonamata

Ndakaenda kumufundisi ndichiti handisi kunzwa zvakanaka mupfungwa. Ndakamuudza kuti ndinorara ndakasvinura, kuti handichafariri zvinhu zvandaifarira, kuti ndinorwadziwa ndisingazivi chikonzero.

Akati ndinofanira kunamata zvakanyanya. Akati zvimwe ndine chivi chandisina kureurura.

Ndakabuda ipapo ndichinzwa kuti imhosva yangu.

Ndakanamata kwemakore maviri. Ndakatsanya. Ndakapa zvipo. Ndakapinda mu prayer meetings dzese. Ndakaramba ndakadaro.

Ndichiri kutenda muna Mwari nhasi. Handisi kuti kunamata hakubatsiri. Asi ndave kuziva chinhu chandaisaziva: depression haisi chivi. Yakaita se malaria — unonamata, hongu, asi unonwawo mushonga. Hazvirevi kuti hautendi.

Ndakazoenda ku counsellor muna 2024. Zvakatanga kuchinja.

Kana uri kunzi "namata chete" — namata hako. Asi tsvagawo rubatsiro. Hazvipikisane.

How does this story make you feel?

WhatsApp

Posted anonymously: all stories are moderated for safety.

Community

Want to join the conversation?

Create a free account to comment, your identity stays anonymous.

Join free
"Namata chete" — asi ndakange ndatonamata: PTAL