Back to Stories
Anonymous
Finance· 35 days ago· 529 reads

Mudzimai wangu haazivi kuti ndakadzingwa basa

Ndakadzingwa basa muna January. Handina kumuudza mudzimai wangu. Kusvika nhasi.

Ndinomuka na5:30, ndogeza, ndopfeka shirt ne tie. Ndinobuda na6:45 sezvandaimboita. Ndinogara mu library kana mu park kusvika 5pm. Then ndinodzoka ndakaneta "kubva kubasa".

Mari yandinouya nayo inobva ku piece jobs — kugadzirira vanhu ma CV, kutengesa airtime, kubatsira ne assignments. Dzimwe nguva ndinokwereta kushamwari ndichiti ndichadzosa.

Ndinoziva kuti zvichabuda. Zuva rimwe nerimwe ndinoti "nhasi ndomuudza". Then ndinosvika ndomuwana akandibikira sadza ne huku, achiseka, achinditenda kuti ndinoshanda nesimba. Mashoko anoramba mumuromo.

Kunyara kwandinako hakuna zita. Handisi kutya kuti anondisiya. Ndiri kutya kutarisa kumeso kwake ndichimuudza kuti ndakamunyeperera for eight months.

Kana paine akamboita izvi — makazviita sei?

How does this story make you feel?

WhatsApp

Posted anonymously: all stories are moderated for safety.

Community

Want to join the conversation?

Create a free account to comment, your identity stays anonymous.

Join free
Mudzimai wangu haazivi kuti ndakadzingwa basa: PTAL