Ndakadzingwa ku university ndikanyarara for 8 months
Ndakaraswa ne second year. Ndakaraswa ne supplementary futi. Ndakabva ndadzingwa.
Handina kuudza munhu kumba kwemwedzi misere.
Ndaimuka mangwanani, ndopfeka, ndobuda ne nguva chaiyo. Ndaigara kuHarare town, mu library kana mu shopping centre, kusvika nguva yekudzoka. Ndaifona amai vachibvunza kuti lectures dzafamba sei, ndoti "dzakanaka amai, ndiri kunyatsoita".
Kutya kwandaiita kuvaudza kwaipfuura zvese — kupfuura kudzingwa chaiko.
Chakazoitika, tete vakandiona ndichifamba muHarare musi wandaifanira kunge ndiri kuchikoro. Zvese zvakabuda mu week imwe chete.
Amai vakachema. Ndakamira ipapo ndakamirira kupopotedzwa.
Vakazongoti "wanga uchitya chii? Ndiwe mwana wangu."
Ndinoshuvira dai ndakavaudza pakutanga. Kutya kwacho kwakandidya kupfuura kukundikana chaiko.
Kana pane ari kuvanza chimwe chinhu kumba — vaudze. Zvinorwadza kamwe chete. Kuvanza kunorwadza mazuva ese.
How does this story make you feel?
Posted anonymously: all stories are moderated for safety.
Community
Want to join the conversation?
Create a free account to comment, your identity stays anonymous.