Back to Stories
Anonymous
Family· 46 days ago· 272 reads

Kuva dangwe kunorema

Ndini dangwe. Kana uri muShona unoziva zvazvinoreva.

Vanin'ina vangu vese vanotarisa kwandiri. Amai vanofona vachiti "mwanangu, uri kuita sei? Tinoda school fees yaTinashe." Ndinoti "ndichaona amai" kunyange ndisina kana cent.

Handisati ndamboudza mumwe munhu mumhuri kuti ndinorwadziwa. Handikwanisi. Kana ini ndikadonha, ndiani anobata mhuri?

Kuna mazuva andinomira mumota kunze kwegedhi for twenty minutes ndisati ndapinda mumba. Just kufema. Then ndinopinda, ndonyemwerera, ndoti "ndaswera zvakanaka".

Ndine makore 29. Ndinonzwa ndakaneta sekunge ndine 50.

Handidi kuti vandidzikise. Ndinongoda kuti mumwe munhu azive kuti kutakura mhuri yese uri wega kunorema, kunyange usingataure nezvazvo.

How does this story make you feel?

WhatsApp

Posted anonymously: all stories are moderated for safety.

Community

Want to join the conversation?

Create a free account to comment, your identity stays anonymous.

Join free
Kuva dangwe kunorema: PTAL