Varume havachemi — ndakaudzwa ndichiri mudiki
Ndaiva nemakore masere baba vangu pavakati kwandiri "murume haachemi". Ndakabata izvozvo semutemo, kwete se advice.
Makore makumi matatu apfuura. Iye zvino handichakwanisi kuchema kunyange ndichida chaizvo. Ndinonzwa kurwadziwa kuchiuya, ndonzwa kuchimira pachipfuva, hakubudi.
Mudzimai wangu anondibvunza "uri kunzwa sei?" Ndinoti "ndiri right". Ndinenge ndichinyepa asi mamwe mashoko haabudi.
Ndakaenda ku therapy once, muna 2025. Ndakagara ipapo maminetsi makumi mashanu ndichitaura nezve basa, nezve mota yangu yakange yakafa, nezve chero chinhu kunze kwechinhu chandaienda nacho.
Counsellor akandiudza kuti zvakanaka, kuti vanhu vazhinji vanotanga saizvozvo.
Handisati ndadzokera. Asi ndichadzokera. Ndanyora izvi kuti ndizvibate pashoko.
How does this story make you feel?
Posted anonymously: all stories are moderated for safety.
Community
Want to join the conversation?
Create a free account to comment, your identity stays anonymous.