Back to Stories
Anonymous
Work & Career· 51 days ago· 316 reads

Ndakapedza degree 2023, ndichiri kumba

Ndakapedza degree yangu muna 2023. Accounting. Ndakafara zvekuti I actually cried at the graduation, amai vangu vachichemawo because ndini wekutanga kuita degree mumhuri yedu yese.

Three years later ndichiri kumba.

Ndinomuka na6am nekuti handikwanisi kurara. Ndinotora phone, ndoapplyer majobs. Some days ten applications. Hapana anopindura. Kwete kana one rejection email — nothing at all.

The worst part hakusi kushaya mari. Ndeyekuti vanhu vakarega kundibvunza. Pakutanga vaiti "zvichanaka mwanangu, uchawana". Now they just look away kana ndapinda mumba.

Sekuru vangu vakamboti "wakadzidzirei kana usingashande?" Ndakaseka ipapo. Ndakazochema ndasvika kumba.

Ndinonzwa kuti ndakadya upenyu hwevabereki vangu. They sold a cow to pay that first semester. Mombe yacho yakazoshanduka kuita nothing.

Handizivi kuti ndanyorerei pano. Maybe kuti mumwe munhu azive kuti hausi wega.

How does this story make you feel?

WhatsApp

Posted anonymously: all stories are moderated for safety.

Community

Want to join the conversation?

Create a free account to comment, your identity stays anonymous.

Join free
Ndakapedza degree 2023, ndichiri kumba: PTAL